Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Ngaakutungamirire Ku“upenyu Chaihwo”

Mwari Ngaakutungamirire Ku“upenyu Chaihwo”

Mwari Ngaakutungamirire Ku“upenyu Chaihwo”

KUVIMBIKA ndihwo unhu hunokosha hunofanira kuva nomunhu anotungamirira. Vaya vanoziva Jehovha, Munyori weBhaibheri, vane chokwadi chokuti ndiye munhu akavimbika kupfuura vanhu vose. Ha“amborevi nhema.” (Tito 1:2; 2 Timoti 3:16) Joshua aitya Mwari, uyo akatungamirira vaIsraeri kuti vapinde muNyika Yakapikirwa, akapupurira kuti Jehovha akavimbika. Paaitaura nevanhu, akati: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.”—Joshua 23:14.

Kubvira panguva yaJoshua, uprofita hwakawanda hwomuBhaibheri hwakazadzika. Kuzadzika kwahwakaita kunoita kuti tive nokutenda kwakasimba muuprofita husati hwazadzika. Hwakawanda hwacho hune chokuita nechinangwa chaMwari nokuda kwenyika uye nokuda kwevanhu vanoteerera.

Uchabatsirwa Nokutungamirirwa naMwari Here?

Jehovha, muenzaniso wakakwana worudo, anoda kuti tifare iye zvino uye nokusingaperi. (Johani 17:3; 1 Johani 4:8) Chokwadi, Mwari anoda kuti tive no“upenyu chaihwo,” kureva upenyu husingaperi. (1 Timoti 6:12, 19) Nemhaka yeizvi, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni matanhatu zvinofara kuudzawo vavakidzani vazvo “mashoko akanaka oumambo,” zvichiteerera mutemo waMwari. (Mateu 24:14) Iye zvino, zviri kuita basa iri munyika 235, anenge marudzi ose epanyika!

Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga inotungamirirwa naJesu Kristu. (Dhanieri 7:13, 14; Zvakazarurwa 11:15) Paanenge ava kutonga, vakaipa vose vachaparadzwa, kureva vaya vasingateereri mitemo yaJehovha yakarurama. (Pisarema 37:10; 92:7) Zvadaro, nyika yose “ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:9.

Funga nezvorugare nokunzwanana zvichavapo munhu wose ari panyika paanenge ava kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi” uye ava kuteerera kutungamirira kwaMwari kworudo nemitemo yake yakakwana! (Johani 4:24) Pakupedzisira vanhu vachava no“upenyu chaihwo” hwakavimbiswa naMwari!

Zvisinei, sezvakafanotaurwa, vashomanana bedzi ndivo vachabvuma kutungamirirwa naMwari vowana upenyu. (Mateu 7:13, 14) Unoda kuva mumwe wavo here? Kana uchida, Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira nomwoyo wose kuti uongorore Magwaro woita kuti shoko raMwari rikutungamirire. Kana ukaita izvozvo, ucha“ravira” woona kuti Jehovha akanaka zvakadini. (Pisarema 34:8) Sezvinoita uchenjeri hwokusikwa nahwo hunotungamirira shiri kwadzinenge dzichienda, Jehovha achatungamirira vakavimbika vake kuupenyu muParadhiso.—Ruka 23:43.

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”—MATEU 5:5

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:11

[Mufananidzo uri papeji 18]

“Tende raMwari riri pakati pevanhu . . . Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo.”—ZVAKAZARURWA 21:3, 4

[Mufananidzo uri papeji 18]

“Vakarurama ndivo vachagara panyika, uye vasina chavanopomerwa ndivo vachasara vari pairi. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; uye vanyengeri, vachabviswa pairi.”—ZVIREVO 2:21, 22