Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

“[Ivai] vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.”—VAHEBHERU 6:12.

1, 2. Mumwe mutariri anofambira aiona sei vanhu vakatendeka vemuBhaibheri, uye nei vanhu ivavo vari shamwari dzakanaka?

“VANOTAURA nezvevanhu vemuBhaibheri kunge vanhu vavakambotamba navo.” Mashoko aya akataurwa neimwe hanzvadzi yanzwa hurukuro yakanga yapiwa nemumwe mutariri anofambira akura. Ichocho chaiva chokwadi nokuti hama ava vakanga vava nemakumi emakore vachidzidza Shoko raMwari uye vachiridzidzisa zvokuti varume nevakadzi vemuBhaibheri vaiva nokutenda vakanga vava kuita seshamwari dzavo chaidzo dzavainge vazivana nadzo kweupenyu hwose.

2 Zvingasava zvakanaka here kuti tiite vanhu ivavo vari muBhaibheri shamwari dzedu? Unovaona sevanhu chaivo here? Fungidzira kuti zvaizenge zvakaita sei kufamba navo, kutaura navo, uye kuwana nguva yokuziva varume nevakadzi vakadai saNoa, Abrahamu, Rute, Eriya, uye Esteri. Fungawo kubatsira kwavangakuita muupenyu hwako—mazano anokosha avangakupa uye kukurudzira kwavanogona kukuita!—Verenga Zvirevo 13:20.

3. (a) Tingabatsirwa sei nekudzidza nezvevarume nevakadzi vemuBhaibheri vaiva nokutenda? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Zvechokwadi, panguva yo“kumuka kwevakarurama,” zvichanyatsoita kuti tive neshamwari dzakadaro dzinotibatsira. (Mab. 24:15) Zvisinei, kunyange iye zvino tinogona kubatsirwa nokudzidza nezvevarume nevakadzi vemuBhaibheri vaiva nokutenda. Tingazviita sei? Muapostora Pauro anotipa mhinduro iyi inoshanda: “[Ivai] vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.” (VaH. 6:12) Sezvatinotanga kudzidza nezvevarume nevakadzi ava vaiva nokutenda, ngatikurukurei mibvunzo mishoma yatinogona kuva nayo kubva pamashoko aPauro: Kutenda kunombova chii, uye nei tichifanira kuva nakwo? Tingatevedzera sei vanhu vakatendeka vari muBhaibheri?

Kutenda Chii, Uye Nei Tichifanira Kuva Nakwo?

4. Vanhu vanowanzofunga kuti kutenda kunorevei, uye nei vakarasika?

4 Kutenda unhu hwakanaka chaizvo uye varume nevakadzi vose vatichadzidza nezvavo mubhuku rino vaikukoshesa zvikuru. Vanhu vakawanda mazuva ano havanyatsozivi chinonzi kutenda kwechokwadi, vanofunga kuti kunoreva kubvuma zvimwe zvinhu usina uchapupu hwekuti ndezvechokwadi. Asi, vakarasika. Kutenda kwechokwadi hakusi kungobvuma zvose zvose; haasi manzwiro aunongoita; kunopfuura kubvuma kuti chimwe chinhu ndechechokwadi. Kungobvuma zvose zvose kune ngozi. Manzwiro angauya achienda, uye kunyange kutenda kuti chimwe chinhu chiriko hakuna kukwana kana toreva nezvaMwari, nokuti “madhimoni anotendawo achidedera.”—Jak. 2:19.

5, 6. (a) Kutenda kwedu kunoratidzwa nezvinhu zvipi zviviri zvisingaoneki? (b) Kutenda kwedu kunofanira kuva nenheyo yakasimba zvakadini? Ipa muenzaniso.

5 Kutenda kwechokwadi kunopfuura zvinhu zvakadaro. Yeuka kuti Bhaibheri rinokutsanangura sei. (Verenga VaHebheru 11:1.) Pauro akati kutenda kwechokwadi kunoratidzwa nezvinhu zviviri zvatisingakwanisi kuona. Kutanga, kunoratidzwa nezvinhu chaizvoizvo zviripo asi “zvisati zvaonekwa.” Maziso edu haakwanisi kuona zvinhu chaizvoizvo zviri kumatenga zvakadai saJehovha Mwari, Mwanakomana wake, kana kuti Umambo huri kutonga iye zvino kudenga. Chechipiri, kutenda kunoratidzwa ‘pazvinhu zvinenge zvichitarisirwa,’ kureva kuti zvinhu zvisati zvaitika. Iye zvino hatikwanisi kuona nyika itsva iyo yava pedyo kuunzwa neUmambo hwaMwari. Saka izvi zvinoreva here kuti hapana uchapupu hwokuti zvinhu izvi zviriko uye zvichaitika?

6 Kwete! Pauro akatsanangura kuti kutenda kwechokwadi kuri panheyo yakasimba. Paakati kutenda “kutarisira nechivimbo,” akashandisa shoko rinogonawo kutsanangurwa segwaro rinoratidza kuti imba iri muzita raani. Fungidzira kuti mumwe munhu asarudza kukupa imba. Anogona kungokupa gwaro rouridzi oti, “Oo imba yako iyi.” Ichokwadi kuti anenge asiri kuti uchagara papepa iroro; asi anoreva kuti pepa iroro ndiro rinoratidza pamutemo kuti imba ndeyaani zvokuti tingatoti ndiro imba yacho. Saizvozvowo, uchapupu hwokutenda kwedu hunogutsa zvikuru, hwakasimba chaizvo zvokuti hunogona kuenzaniswa nokutenda kwedu chaiko.

7. Kutenda kwechokwadi kunosanganisirei?

7 Saka, kutenda kwechokwadi kunosanganisira kunyatsova nechivimbo chakasimba pane zvinotaurwa naJehovha Mwari. Kutenda kunoita kuti timuone saBaba vedu vane rudo uye tivimbe kuti zvose zvaanovimbisa zvichatozadzika. Asi kutenda kwechokwadi hakugumiri ipapo. Sezvinongoita chinhu chipenyu, kutenda kunofanira kutsigirwa kuti kurambe kuripo. Kunofanira kuratidzwa nemabasa, nokuti zvikasadaro kunofa.—Jak. 2:26.

8. Nei kutenda kuchikosha zvikuru?

8 Nei kutenda kuchikosha zvikuru? Pauro akapa mhinduro inogutsa. (Verenga VaHebheru 11:6.) Kana tisina kutenda hatigoni kutaura naJehovha kana kumufadza. Saka kutenda kunokosha kana tichizozadzisa chinangwa chikuru, chinonyanya kukosha chezvisikwa zvose zvakangwara: kuswedera pedyo naBaba vedu vekudenga, Jehovha, uye kuvarumbidza.

9. Jehovha akaratidza sei kuti anoziva kuti tinoda kuva nokutenda?

9 Jehovha anoziva kuti tinoda zvakadini kuva nokutenda, saka anotipa mienzaniso inotibatsira kuvaka kutenda uye kukuratidza. Anokomborera ungano yechiKristu nemienzaniso yevarume vakatendeka vanotungamirira. Shoko rake rinoti: “Tevedzerai kutenda kwavo.” (VaH. 13:7) Asi handizvo zvoga. Pauro akanyora nezve“gore guru . . . rezvapupu,” varume nevakadzi vakararama kare vakatisiyira mienzaniso yakazonaka. (VaH. 12:1) Kune vashumiri vaJehovha vakatendeka vakatowanda kupfuura vanotaurwa naPauro muchitsauko 11 chaVaHebheru. Bhaibheri rine nyaya dzakawanda dzechokwadi dzevarume nevakadzi, vakuru nevaduku, vaibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vaiva nokutenda uye vanotidzidzisa zvakawanda munguva ino isisina vakawanda vane kutenda.

Tingatevedzera Sei Kutenda Kwevamwe?

10. Kudzidza tiri toga kungatibatsira sei kuti titevedzere varume nevakadzi vakatendeka vemuBhaibheri?

10 Kuti uzotevedzera mumwe munhu hunge wanyatsomucherechedza. Sezvaunoverenga bhuku rino uchaona kuti pane zvakawanda zvakatsvakurudzwa kuti ubatsirwe kunzwisisa varume nevakadzi ava vaiva nokutenda. Wadii kutsvakurudzawo zvimwe nezvevanhu ivavo? Paunenge uchidzidza uri woga, ongorora Bhaibheri uchishandisa mabhuku ekutsvakurudza auinawo. Sezvaunofungisisa zvauri kudzidza, edza kufungidzira zvaiitika munhoroondo dzemuBhaibheri uye kwazvaiitikira. Ita seuri kutoona kana kunzwa zviri kuitika, uchitonzwa kunhuhwirira kwaivepo. Zvinotonyanya kukosha ndezvekuti uedze kufungidzira kuti vanhu vari kutaurwa nezvavo vainzwa sei. Sezvaunonzwisisa varume nevakadzi ivavo vakatendeka, uchawedzera kuvaona sevanhu chaivo uye kuvaziva, vamwe vangatosvika pakuita seshamwari dzaunoda.

11, 12. (a) Ungasvika sei pakunzwa wava pedyo naAbramu naSarai? (b) Ungabatsirwa sei nemuenzaniso waHana, Eriya, kana kuti Samueri?

11 Pauchasvika pakunyatsovaziva, uchada kuvatevedzera. Somuenzaniso, fungidzira wapiwa basa rausati wamboita. Sangano raJehovha rinogona kukumbira kuti uwedzere ushumiri hwako neimwe nzira. Zvimwe wakumbirwa kuti uende kune imwe ndima iri kudiwa vaparidzi vakawanda nokukurumidza, kana kuti wakumbirwa kuti uite imwe mhando yekuparidza yausina kujaira kana kuti yausinganyatsofariri. Sezvaunofungisisa uye kunyengetera nezvebasa racho, zvaizobatsira here kuti ufungisise muenzaniso waAbramu? Iye naSarai vakanga vakagadzirira kusiya upenyu hwakanaka hwemuUri uye vakazokomborerwa zvikuru. Sezvaunovatevedzera, uchaona kuti uchapedzisira wava kutovaziva kupfuura zvawaimboita.

12 Saizvozvowo, zvakadini kana mumwe munhu wepedyo aizokurwadzisa uye zvokuodza mwoyo, zvokuti ungatova pamuedzo wokurega kupinda misangano? Kufungisisa nezvekuti Hana akakurira sei kurwadziswa kwaaiitwa naPenina, kuchakubatsira kuziva zvokuita uye kuchaita kuti Hana aite seshamwari yako yepedyo. Kana uchinzwa sekuti haubatsiri, unogonawo kunzwa wava pedyo zvikuru naEriya paunodzidza nezvematambudziko ake uye kuti Jehovha akazomunyaradza sei. Uye vechiduku vanogara vachisangana nemiedzo kubva kune vavanodzidza navo vane tsika dzakaipa vanganzwa vava pedyo naSamueri pashure pokudzidza zvaaiita paaiona zvakaipa zvaiitwa nevanakomana vaEri patebhenekeri.

13. Kutevedzera kutenda kwemunhu wemuBhaibheri kunoreva here kuti unenge usingachaiti zvinhu uchizvifungira woga? Tsanangura.

13 Zvinoreva here kuti ukatevedzera kutenda kwevanhu vakadaro vomuBhaibheri unenge usingachaiti zvinhu uchizvifungira woga? Kana! Yeuka kuti Shoko raJehovha rinotikurudzira kuti titevedzere vanhu vane kutenda. (1 VaK. 4:16; 11:1; 2 VaT. 3:7, 9) Uyewo, vamwe vevanhu vatichadzidza nezvavo mubhuku rino vakatotevedzerawo vamwe vakatendeka vakararama ivo vasati vavapo. Somuenzaniso, muChitsauko 17 chebhuku rino, Mariya anotaura mashoko akada kufanana neakambotaurwa naHana zvichiratidza kuti aimuona semuenzaniso wekutevedzera. Izvozvo zvakaita kuti kutenda kwaMariya kuite sekusina kusimba here? Kwete! Muenzaniso waHana wakatobatsira Mariya kuti ave nokutenda zvokuti akatozova nezita rakanaka naJehovha Mwari.

14, 15. Ndezvipi zvimwe zvinhu zviri mubhuku rino, uye tinganyatsozvishandisa sei?

14 Bhuku rino rakagadzirwa kuti rikubatsire kusimbisa kutenda kwako. Zvitsauko zvinotevera mubatanidzwa wenyaya dzaiti, “Tevedzera Kutenda Kwavo” dzakabuda muNharireyomurindi kubva muna 2008 kusvika muna 2013. Zvisinei, pane zvimwewo zvakawedzerwa. Rine mibvunzo inotibatsira kukurukura nyaya dzacho uye kudzishandisa. Rinewo mifananidzo yaibuda munyaya idzi yakazongokudzwa nokuvandudzwa, uye panewo mimwe yakawanda yakazowedzerwa. Rakaiswawo zvimwe zvinhu zvinobatsira zvakadai sechati inoratidza makore akaitika zvinhu uyewo mamepu. Tevedzera Kutenda Kwavo ibhuku rakagadzirirwa kubatsira pakudzidza munhu ari oga, semhuri uye seungano. Mhuri dzakawanda dzinganakidzwawo nokungoverenga pamwe chete nyaya dzacho zvinonzwika.

15 Kudai bhuku rino rikakubatsira kutevedzera kutenda kwevashumiri vaJehovha vakavimbika vakararama kare. Ngarikubatsirewo kuti kutenda kwako kukure sezvaunowedzera kuswedera pedyo naBaba vedu vekudenga, Jehovha!