Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 28

“Kusvikira Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika”

“Kusvikira Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika”

Zvapupu zvaJehovha zvinoenderera mberi nebasa rakatangwa nevateveri vaJesu Kristu vekutanga

1. Zvapupu zvaJehovha zvakafanana papi nevaKristu vekutanga?

 VAISHINGAIRA pakupa uchapupu. Vaibvuma nemwoyo wese kutungamirirwa uye kubatsirwa nemweya mutsvene. Havana kurega kutambudzwa kuchivaita kuti vanyarare. Uye Mwari akavakomborera zvikuru. Izvi ndizvo zvaiitwa nevaKristu vekutanga, uye ndizvo zviri kuitwawo neZvapupu zvaJehovha mazuva ano.

2, 3. Chii chinosiyanisa bhuku raMabasa nemamwe ese?

2 Unofanira kunge wakurudzirwa zvikuru nekuverenga nyaya dzinosimbisa kutenda uye dzinonakidza dziri mubhuku raMabasa Evaapostora! Rakasiyana nemamwe pakuti ndiro chete rinotsanangura matangiro akaita chiKristu.

3 Bhuku raMabasa rinotaura mazita evanhu 95 vanobva munyika 32, maguta 54 uye zvitsuwa 9. Inyaya inonakidza inotaura nezvevanhu vasina kukurumbira, vatungamiriri vezvitendero nevezvematongerwo enyika vanozvikudza, uye vanhu vaitambudza vaKristu neutsinye. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti inyaya inotaura nezvehama nehanzvadzi dzako dzepakatanga chiKristu, dzaisangana nematambudziko anongosangana nevanhu muupenyu asi dzaishingairira kuparidza mashoko akanaka.

4. Chii chinokosha chinotibatanidza nevanhu vakadai semuapostora Pauro, Thabhita, nezvimwe zvapupu zvakatendeka zvekare?

4 Iye zvino ava kuda kutosvika makore 2 000 kubva pakaparidza vaapostora vaishingaira Petro naPauro, pakashumira chiremba Ruka, murume aiva netsitsi Bhanabhasi, murume aiva neushingi Stefani, mukadzi aibatsira vamwe Tabhita, mukadzi aigamuchira vaenzi Ridhiya, nezvimwe zvapupu zvakatendeka zvakawanda. Asi pane chimwe chinhu chinokosha chinotibatanidza navo. Chii ichocho? Tiri kuitawo basa ravaiita rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Chikomborero chaicho kuti tiri kuita basa iri!

“. . . kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”—Mabasa 1:8

5. Vateveri vaJesu vakatanga kuitira kupi basa ravakapiwa?

5 Imbonyatsofunga nezvebasa rakapiwa naJesu vateveri vake. Akati: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Chekutanga, mweya mutsvene wakapa vadzidzi simba rekuti vave zvapupu “muJerusarema.” (Mab. 1:1–8:3) Wakazoita kuti vadzidzi vape uchapupu “muJudhiya mese nemuSamariya.” (Mab. 8:4–13:3) Vakabva vazotanga kuenda nemashoko akanaka “kunzvimbo dziri kure dzenyika.”Mab. 13:4–28:31.

6, 7. Pakuita ushumiri hwedu, takasiyana papi nehama dzedu dzakaparidza makore akatanga chiKristu?

6 Hama nehanzvadzi dzako dzemakore akatanga chiKristu dzakanga dzisina Bhaibheri rakazara rekushandisa mubasa ravo rekupa uchapupu. Bhuku raMateu rakatozopera muna 41 C.E. kana kuti atopfuura. Dzimwe tsamba dzaPauro dzakanyorwa bhuku raMabasa risati rapera, munenge muna 61 C.E. Asi muKristu mumwe nemumwe akanga asina Bhaibheri rake pachake kana kuti mabhuku akasiyana-siyana ekusiyira vanhu vanenge vafarira. VaKristu vechiJudha vakanga vanzwa Magwaro echiHebheru achiverengwa musinagogi vasati vava vaKristu. (2 VaK. 3:14-16) Asi kunyange naivowo vaifanira kushanda nesimba pakudzidza, sezvo vaifanira kupota vachitaura mamwe magwaro nemusoro.

7 Mazuva ano, vakawanda vedu tine Bhaibheri rake rake uye mabhuku akawanda anotsanangura Bhaibheri. Tiri kuita kuti vanhu vave vadzidzi nekuzivisa mashoko akanaka munyika dzinopfuura 240 uye mumitauro yakawanda.

Kupiwa Simba Nemweya Mutsvene

8, 9. (a) Mweya mutsvene wakaita kuti vadzidzi vaJesu vakwanise kuitei? (b) Muranda akatendeka ari kubatsirwa sei nemweya waMwari?

8 Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti vanoparidza, akavaudza kuti: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu.” Vateveri vaJesu vaizova zvapupu pasi rese vachitungamirirwa nemweya waMwari. Petro naPauro vakarapa vairwara, vakadzinga madhimoni, kunyange kutomutsa vakafa, vachishandisa mweya mutsvene! Asi chinangwa chikuru chavaipirwa simba remweya mutsvene ndechekuti vabatsire vamwe kuwana ruzivo rwunoita kuti vawane upenyu husingaperi.—Joh. 17:3.

9 Pazuva rePendekosti ya33 C.E., vadzidzi vaJesu vakataura “nemitauro yakasiyana-siyana, sekupiwa kwavaiitwa nemweya kuti vataure.” Saka vakapupurira “nezvezvinhu zvikuru pamusoro paMwari.” (Mab. 2:1-4, 11) Mazuva ano hatiiti zvishamiso zvekutaura nendimi. Asi mweya mutsvene uri kubatsira muranda akatendeka kubudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro yakawanda. Mamiriyoni emagazini eNharireyomurindi neMukai! ari kudhindwa mwedzi wega wega, uye nzvimbo yedu yepaIndaneti, jw.org, ine mabhuku nemavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 1 000. Zvese izvi zvinoita kuti tikwanise kuzivisa “zvinhu zvikuru pamusoro paMwari” kuvanhu vemarudzi ese, nemadzinza nendimi.—Zvak. 7:9.

10. Chii changa chichiitwa panyaya yekubudiswa kweBhaibheri kubvira muna 1989?

10 Kubvira muna 1989 muranda akatendeka anga achinyanya kukoshesa kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva mumitauro yakawanda. Bhaibheri iri rava kutowanika mumitauro inopfuura 200, uye kune mamiriyoni eBhaibheri iri akatodhindwa, uye kuchiine mamwe akawanda ari kudhindwa. Zvinhu izvi zvaisambobudirira dai pasina Mwari nemweya wake mutsvene.

11. Mabhuku eZvapupu ari kushandurwa zvakadini?

11 Basa rekushandura mabhuku nemaBhaibheri riri kuitwa nezviuru zveZvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 150. Izvi hazvifaniri kutishamisa nekuti hapana rimwe sangano pasi pano rinotungamirirwa nemweya mutsvene pakupa “uchapupu hwakasimba” munyika yese pamusoro paJehovha Mwari, Mambo waakagadza Mesiya uye Umambo hwekudenga!—Mab. 28:23.

12. Pauro nevamwe vaKristu vakakwanisa sei kuita basa rekuparidza?

12 Pauro paakapupurira vaJudha nevanhu vemamwe marudzi kuAndiyoki yekuPisidhiya, “vese vaiva nechido chekuwana upenyu husingaperi vakava vatendi.” (Mab. 13:48) Ruka anopedzisa bhuku raMabasa achitaura nezvaPauro achiparidza “umambo hwaMwari . . . achitaura akasununguka, pasina anomurambidza.” (Mab. 28:31) Ari kuparidza ari kupi? Ari kuRoma, guta guru renyika ine simba kupfuura dzese! Vangave vaiparidza vachiita zvekutaura nevanhu vakaungana kana kuti nedzimwe nzira, vateveri vaJesu vakaita basa rekupa uchapupu vachitungamirirwa nemweya mutsvene.

Kutsungirira Pasinei Nekutambudzwa

13. Nei tichifanira kunyengetera patinenge tichitambudzwa?

13 Vadzidzi vaJesu vepakutanga pavakatambudzwa, vakakumbira Jehovha kuti avashingise. Akavapindura sei? Vakazadzwa nemweya mutsvene vakava nesimba rekuti vataure shoko raMwari neushingi. (Mab. 4:18-31) Isuwo tinonyengeterera uchenjeri nesimba kuti tirambe tichiparidza pasinei nekutambudzwa. (Jak. 1:2-8) Tinoramba tichiita basa reUmambo nekuti tiri kukomborerwa naMwari uye tiri kubatsirwa nemweya mutsvene. Kutambudzwa kana kupikiswa hakufi kwakamisa basa rekuparidza. Patinenge tichitambudzwa, tinotofanira kunyengeterera mweya mutsvene, uchenjeri uye ushingi hwekuti tizivise mashoko akanaka.—Ruka 11:13.

14, 15. (a) “Kutambudzwa kwakamuka pamusoro paStefani” kwakaita kuti chii chiitike? (b) Vanhu vakawanda kuSiberia vakasvika sei pakudzidza chokwadi?

14 Stefani akapa uchapupu neushingi asati aurayiwa nevavengi vake. (Mab. 6:5; 7:54-60) “Kutambudzwa zvikuru” kwakaitika panguva iyoyo kwakaita kuti vadzidzi vese vapararire kuJudhiya nemuSamariya yese kunze kwevaapostora chete. Asi izvozvo hazvina kumisa basa rekuparidza. Firipi akaenda kuSamariya ‘kunoparidza nezvaKristu,’ akawana vadzidzi vatsva. (Mab. 8:1-8, 14, 15, 25) Ruka akanyora kuti: “Vaya vakanga vaparadzirwa nekutambudzwa kwakamuka pamusoro paStefani vakasvika kuFenikiya, Saipurasi, nekuAndiyoki, asi vaingotaura shoko kuvaJudha chete. Asi vamwe vevarume vacho vaibva kuSaipurasi uye kuKurini vakauya kuAndiyoki vakatanga kutaura nevanhu vaitaura chiGiriki, vachizivisa mashoko akanaka aShe Jesu.” (Mab. 11:19, 20) Panguva iyoyo kutambudzwa kwaiitwa vaKristu kwakaita kuti shoko reUmambo ripararire.

15 Izvozvo zvakamboitikawo makore ano mune yaimbova Soviet Union. Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvaiwanzoendeswa kuSiberia, zvikurukuru kuma1950. Sezvo vaigariswa munzvimbo dzakataramukana, mashoko akanaka akaramba achipararira munyika iyoyo yakakura. Hapana mawaniro aigona kuita Zvapupu zvakawanda kudaro mari yaidiwa kufamba makiromita anenge 10 000 kuti zvinozivisa mashoko akanaka! Asi hurumende pachayo ndiyo yakatovaendesa ikoko. Imwe hama yakati, “Izvi zvakaita kuti hurumende ibatsire kuti zviuru zvevanhu vane mwoyo yakatendeseka kuSiberia vasvike pakuziva chokwadi.”

Vakakomborerwa Zvikuru naJehovha

16, 17. Bhuku raMabasa rinoratidza sei kuti Jehovha aikomborera basa rekuparidza?

16 Hapana mubvunzo kuti Jehovha akanga achikomborera vaKristu vepakutanga. Pauro nevamwe vakadyara uye vakadiridza, “asi Mwari akaita kuti zvikure.” (1 VaK. 3:5, 6) Zvinotaurwa nebhuku raMabasa zvinoratidza kuti Jehovha ndiye anokomborera basa rekuparidza kuti ungano ikure zvakadaro. Bhuku racho rinoti Shoko raMwari rakaramba “richipararira, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru muJerusarema.” (Mab. 6:7) Basa rekuparidza paraipararira, “ungano dzese muJudhiya yese nemuGarireya nemuSamariya dzakabva dzava nenguva yerugare, dzichivakwa; uye dzakaramba dzichiwedzera nekuti dzaifamba dzichitya Jehovha uye dzichinyaradzwa nemweya mutsvene.”—Mab. 9:31.

17 MuAndiyoki yekuSiriya, vaJudha nevanhu vaitaura chiGiriki vakanzwa chokwadi kuzvapupu zvaitaura neushingi. Nyaya yacho inoti: “Ruoko rwaJehovha rwakanga ruinavo, uye vakawanda vakava vatendi vakatendeukira kunaShe.” (Mab. 11:21) Basa rakafambira mberi muguta iroro nekuti tinoverenga kuti: “Shoko raJehovha rakaramba richikura uye richipararira.” (Mab. 12:24) Uye kuparidza kwakaita Pauro nevamwe vake pakati pevanhu vemamwe marudzi kwakaita kuti shoko raJehovha rirambe “richikura zvine simba uye richikunda.”—Mab. 19:20.

18, 19. (a) Tinoziva sei kuti “ruoko rwaJehovha” runesu? (b) Taura nyaya yakaitika inoratidza kuti Jehovha anotsigira vanhu vake.

18 Isuwo hapana mubvunzo kuti “ruoko rwaJehovha” runesu. Ndosaka vakawanda vari kuva vatendi uye vari kubhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari. Uye kutsungirira kwatinoita tichitambudzwa, pamwe pacho zvinotyisa, tichienderera mberi nekuparidza sezvaiitwa nevaKristu vekutanga, kunoratidza kuti tiri kukomborerwa naMwari. (Mab. 14:19-21) Jehovha Mwari anogara achititsigira. “Maoko ake asingagumi” haakundikani kutitsigira mumiedzo yedu yese. (Dheut. 33:27) Ngatiyeukeiwo kuti Jehovha haambosiyi vanhu vake achiitira zita rake.—1 Sam. 12:22; Pis. 94:14.

19 Tine muenzaniso waHama Harald Abt vakaendeswa kumusasa wevasungwa kuSachsenhausen nevaNazi munguva yeHondo Yenyika II nekuti vairamba vachiparidza. Muna May 1942, mapurisa eGestapo akaenda kumba kwavo, akatora kamwanasikana kavo kakanga kachiri kuyamwa, achibva asunga mudzimai wavo, Elsa. Elsa akaendeswa kumisasa yevasungwa yakasiyana-siyana. Hanzvadzi Abt vakati: “Makore andakanga ndiri mumisasa yevasungwa kuGermany akandidzidzisa chidzidzo chinoshamisa. Chidzidzo chekuti mweya mutsvene unotisimbisa patinenge tiri mumuedzo wakaoma! Ndisati ndasungwa, ndakanga ndamboverenga tsamba yeimwe hanzvadzi yaiti paunenge uri mumuedzo wakaoma, mweya waJehovha unoita kuti hana yako igadzikane. Ndakafunga kuti aiwedzeredza. Asi pandakazosanganawo nawo inini, ndakaona kuti aitaura chokwadi. Ndizvo chaizvo zvakaitika kwandiri. Kana usati wambosangana nazvo haumbozvinzwisisi. Asi ndizvo zvakanyatsoitika kwandiri.”

Ramba Uchipa Uchapupu Hwakasimba!

20. Pauro akaita sei paakanga achigara mumba semusungwa, uye izvozvo zvinokurudzira sei dzimwe hama nehanzvadzi dzedu?

20 Bhuku raMabasa rinopera Pauro achishingaira ‘kuparidza umambo hwaMwari.’ (Mab. 28:31) Sezvo akanga achigara mumba semusungwa akanga asingakwanisi kuenda kunoparidza paimba neimba muRoma. Kunyange zvakadaro, akaramba achiparidzira vese vaiuya kuzomuona. Mazuva ano, pane dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzisingakwanisi kubuda mumba, pamwe dzinotogara dzakarara, kana kuti dzinogara mumisha inochengeterwa vakwegura, kana kuti muzvipatara. Asi kuda kwavanoita Mwari uye chido chavo chekupa uchapupu hazvina kuchinja. Tinovanyengeterera uye tinokumbira kuti Baba vedu vekudenga vavabatsire kuwana vanhu vanoda kudzidza nezvavo uye chinangwa chavo chinoshamisa.

21. Tinofanira kuyeukei patinenge tichiita basa rekuparidza?

21 Vakawanda vedu tinokwanisa kuita ushumiri hwepaimba neimba uye kushandisa dzimwe nzira dzekudzidzisa vanhu Bhaibheri. Saka mumwe nemumwe wedu ngaaite zvese zvaanogona pakuita basa redu rekuzivisa Umambo, tichipupura kusvika “kunzvimbo dziri kure dzenyika.” Basa iri tinofanira kuriita tichiziva kuti nguva yapera nekuti “chiratidzo” chekuti Kristu avapo chanyatsojeka. (Mat. 24:3-14) Nguva yasara ipfupi. Tine “zvizhinji zvekuita mubasa raShe.”—1 VaK. 15:58.

22. Tinofanira kuramba tichiitei patiri kumirira zuva raJehovha?

22 Patiri kumirira “zuva guru raJehovha rinotyisa,” ngatirambei tichipa uchapupu neushingi uye takatendeka. (Joe. 2:31) Tichawana vanhu vakawanda vakaita sevaBheriya “vakagamuchira shoko nechido.” (Mab. 17:10, 11) Saka ngatirambei tichipa uchapupu kusvikira tenzi wedu ati: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka!” (Mat. 25:23) Kana tikashingaira kuita zvatinogona mubasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi uye tikaramba takatendeka kuna Jehovha, ticharamba tichifara nekusingaperi tichiziva kuti takaitawo chimwe chinhu pakupa “uchapupu hwakasimba” pamusoro peUmambo hwaMwari!